*Ndati ndimbokuudzai kanyaya kakaitika muraini medu muna Chitumbwana umu musi weMuvhuro vhiki razovharwa zvikoro iri.*
Muzukuru uyu mwana we mwana wavo mkomana,mupenyu asi akazorambana nemukadzi wake wekutanga anova amai va Chelsea.
Pakuzoroora kepiri gogo ndapavakati hunza muzukuru ndigare hangu naye utange zvitsa nomudzimai vako.
Ini ndaisatombozivavo kuti gogo ava vakabereka vana vatanhatu. Ndaitofunga kuti vane mumwechete mukomana iyeyu nekuti handisati ndamboona pamba pavo pachi chinjana vaenzi kana kuunganirwavo nevazukuru pama holidays. Vanongorarama nekamari kemuloja kasingatokwane kunyatso variritira mwedzi wose.
Zvino neMuvhuro kuma 9 kuseni ndopandatoshamiswa ndichiona mota yati vhuu pa gate pedu ndokupfurira kuenda pa gogo. Pasine nguva munhu aburuka achichema zimhere. Ndashamiswa ndikati ko chii futi. Ndadongorera nepa curtain Ndaona Chelsea achimhanyira mukadzi uya. Ko handiti mazuvano ari kurovha kuchikoro hanzi takapedza ma test.
Gare Gare pasvika 3 mabango emota munongonzwa imi. Imwe yacho ndakwanisa kuona ku truck kuine mazi grocery ekuwanda. Pazosvika Raptor ye Black ine 2 ma exhaust soo. Ndatomboti ndeya Caston Matewu but ndazoona kuti haisi. Imwe yacho murume aburuka nekamukomana kadiki kakabata maruva vachipinda mumba. Ndangoti nhasi bho here nechomumoyo. Kakuchema kanzwika pakupinda mumba asi pasina 2 minutes vanyarara.
Ndichiri mushishi yeku figure out kuti I party here irikuda kuitwa nhasi chitatu pamba apa. Ndabva ndaona dzimwe mota four dzasvika. Dzakanakisa. Lexus ye white ne Odyssey ye black.
Chelsea achibuda pachemwa zvekare. Nenguva isipi panyararwa. Ndikati regai ndiswedere pedyo ndione kuti chii chaicho. ko ndokuva muvakidzani akapangama kaaa 🤪.
Ndapinda mugate ndokusangana nemuloja wavo tikabvunzana kuti sei famba. Tese hapana awana answer. Tasimbisana kupinda mumba muya ko taigodii nhai??? Tichipinda taona vanhu vakagara mudining vose. Gogo varipakati vasingafare vasingacheme vasingarware futi. Vamwe vose hapana anga achitaura noumwe zvokuti unotozoti chandapindira hangu. Ndangoerekana ndapfugama ndokuuchira ndichiti makadii zvenyu. Vadaira nde vamwe asi vamwe havana. Ndikaenderera mberi ndokuti mamukasei gogo. Vapindura zvakanaka ndopandatombowana ka relief.
Hanzi Mai Thando mwanangu ava wauri kuona vana vangu vekubereka. Vaita ma introductions kubva pane wokutanga kusvika pane wechi 6 vese vanga varimo. Vasikana 2 vakomana 4. Ini hangu ndaingoziva baba va Chelsea ndovaimbouya pano neapo zvavo. Bvavazoti kuvana wavo ava ndi Madzimai vepa next door kwatino kumbira mvura (bcz tine mugodhi) mu tap haibude ini mugodhi handina. Ndokutendeka muloja wavo vakati ava ndowandinogarisana nawo vanondipa sauti kana yapera.
Pakati pavo pane azoti tafara nekukuzivai. Tikadaira. Hanzi na gogo. Nezuro takarara nenzara kushaya upfu chaihwo. Saka ndaudza Chelsea ndiri mumagumbeze kuti fonera baba vako uti hanzi nambuya ndafa kuno nenzara. Ndofunga haana kubata mazwi zvakanaka somwana mudiki ndokufonera baba achiti ambuya vafa kuno, ka etime ndokutopera.🥹
I think kuita kwaMwari chete nekuti baba vake havana kubvunza zvakawanda. Ivo vati Nema groups ariko aya nazuvano vabva vakanda message pa family group. Amai hakuchina. Vamwe havana kuda kubvunzisisawo vachiti ndiye ane mwana ariko saka anogara achiziva zvese zvamai. Vaita chipatapata kurongedza kuuya kunochema Mai vavo. Vazukuruwo neuko kutenga maruva ekuisa pa coffin ra gogo vavo. Vavaona vati ndofunga vanokoshesa Mai vavo zvekutodaro vasingazive kuti kwaani ndinhasi chete.
2 hours zvinhu zvatengwa hazvisi zvemunhu atanga aenda kumukando kunokwereta mari bodo. Imari yangotorwa mumba yagara irimo ichimirira emergency pada hameno??🤷🏽♀️

COMMENTS